MUBVUNZO 19
Mabhuku emuBhaibheri Akasiyana-siyana Anotaura Nezvei?
MAGWARO ECHIHEBHERU (“TESTAMENDE YEKARE”)
MABHUKU 5 EKUTANGA:
Genesisi, Eksodho, Revhitiko, Numeri, Dheuteronomi
Kubva pakusikwa kwezvinhu kusvika pakutanga kwerudzi rwevaIsraeri
MABHUKU ENHOROONDO (MABHUKU 12):
Joshua, Vatongi, Rute
Kupinda kwevaIsraeri muNyika Yakapikirwa uye zvakazoitika
1 na2 Samueri, 1 na2 Madzimambo, 1 na2 Makoronike
Nhoroondo yevaIsraeri kusvika pakaparadzwa Jerusarema
Ezra, Nehemiya, Esteri
Nhoroondo yevaJudha pavakanga vadzoka kubva kuBhabhironi kuutapwa
MABHUKU ENHETEMBO (MABHUKU 5):
Jobho, Mapisarema, Zvirevo, Muparidzi, Rwiyo rwaSoromoni
Muunganidzwa wemashoko euchenjeri uye nziyo
MABHUKU EUPROFITA (MABHUKU 17):
Isaya, Jeremiya, Mariro, Ezekieri, Dhanieri, Hosiya, Joeri, Amosi, Obhadhiya, Jona, Mika, Nahumi, Habhakuki, Zefaniya, Hagai, Zekariya, Maraki
Uprofita, kana kuti zvakataurwa kuti zvaizoitika kuvanhu vaMwari
MAGWARO ECHIKRISTU ECHIGIRIKI (“TESTAMENDE ITSVA”)
MABHUKU EEVHANGERI (MABHUKU 4):
Mateu, Mako, Ruka, Johani
Upenyu hwaJesu uye ushumiri hwake
MABASA EVAAPOSTORA (BHUKU RIMWE CHETE):
Nhoroondo yekutanga kweungano yechiKristu uye basa reumishinari
TSAMBA (MABHUKU 21):
VaRoma, 1 na2 VaKorinde, VaGaratiya, VaEfeso, VaFiripi, VaKorose, 1 na2 VaTesaronika
Tsamba dzakanyorerwa dzimwe ungano dzakasiyana-siyana dzechiKristu
1 na2 Timoti, Tito, Firimoni
Tsamba dzakanyorerwa vamwe vaKristu
VaHebheru, Jakobho, 1 na2 Petro, 1, 2, na3 Johani, Judha
Dzimwewo tsamba dzakanyorerwa vaKristu vese
ZVAKAZARURWA (BHUKU RIMWE CHETE):
Uprofita hunotevedzana hwakaratidzwa muapostora Johani