Jobho 26:1-14
26 Jobho akapindura achiti:
2 “Inga unogona kubatsira munhu asina simba!
Inga unogona kuponesa ruoko rusina simba!+
3 Inga wapa zano rinobatsira chaizvo munhu asina uchenjeri!+
Inga wanyatsoratidza kuti une mazano euchenjeri!
4 Ndiani wauri kuedza kutaura naye,Uye ndiani akakufemera kuti utaure zvakadaro?
5 Vaya vasina simba murufu vanodedera;Vari pakadzika kupfuura kunyange mvura nezvinhu zvinogara mairi.
6 Guva harina* kupfeka pamberi paMwari,*+Uye nzvimbo yekuparadzwa* haina kufukidzwa.
7 Anotatamura denga rekuchamhembe* panzvimbo isina chinhu,+Achirembedza nyika pasina chinhu;
8 Anoputira mvura mumakore ake,+Zvekuti makore haaputiki nekuremerwa nayo;
9 Anovharidzira chigaro chake cheumambo,Achitambanudza gore rake pamusoro pacho.+
10 Anotara panosangana denga nenyika* pamusoro pemvura;+Anoisa muganhu pakati pechiedza nerima.
11 Mbiru dzedenga chaidzo dzinozununguka;Dzinovhunduka nekutuka kwake.
12 Anonyandura gungwa nesimba rake,+Uye anodimbura-dimbura zimhuka remugungwa* nekunzwisisa kwake.+
13 Anoita kuti denga richene nekufema kwemuromo wake;*Ruoko rwake runobaya nyoka inotsvedza.
14 Onai! Izvi zvinongova mupendero wenzira dzake;+Zvatinonzwa nezvake kanongova kazevezeve!
Saka ndiani anganzwisisa kutinhira kwake kune simba?”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Sheori haina.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “pake.”
^ Kana kuti “Abhadhoni.”
^ ChiHeb., “Anotatamura chamhembe.”
^ ChiHeb., “Anoisa denderedzwa.”
^ ChiHeb., “Rahabhi.”
^ Kana kuti “nemhepo yake.”