Mapisarema 109:1-31
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
109 Haiwa Mwari wandinorumbidza,+ musaramba makanyarara.
2 Nekuti vakaipa nevanyengeri vanoshama miromo yavo vachitaura zvakaipa nezvangu.
Vanotaura nezvangu nerurimi runoreva nhema;+
3 Vanondikomba nemashoko eruvengo,Uye vanondirwisa pasina zvandaita.+
4 Vanondipikisa pandinoratidza kuvada;+Asi ini ndinoramba ndichinyengetera.
5 Vanonditsiva nezvakaipa pandinovaitira zvakanaka,+Uye vanondivenga ini ndichivada.+
6 Gadzai munhu akaipa pamusoro pake;Mupikisi* ngaamire kuruoko rwake rwerudyi.
7 Paanotongwa, ngaawanikwe aine mhosva;*Kunyange munyengetero wake ngauonekwe sechivi.+
8 Mazuva ake ngaave mashoma;+Mumwe munhu ngaatore basa rake reutariri.+
9 Vana* vake ngavave nherera,Uye mudzimai wake ngaave chirikadzi.
10 Vana* vake ngavave vapemhi vanodzungaira,Vachitsvaga zvekudya mumatongo edzimba dzavo.
11 Anomukweretesa ngaatore* zvese zvaainazvo,Uye vanhu vaasingazivi ngavapambe zvinhu zvake.
12 Ngaparege kuva nemunhu anomuratidza mutsa,*Uye ngaparege kuva nemunhu anonzwira nyasha nherera dzake.
13 Vazukuru vake ngavaparadzwe;+Zita ravo ngaridzimwe muchizvarwa chavo.
14 Kukanganisa kwemadzitateguru ake ngakuyeukwe naJehovha,+Uye chivi chaamai vake ngachirege kudzimwa.
15 Jehovha ngaarambe achirangarira zvavakaita;Uye ngaaite kuti vasazoyeukwa zvakare panyika.+
16 Nekuti haana kuyeuka kuratidza mutsa,*+Asi akaramba achidzingirira munhu akadzvinyirirwa,+ murombo, uye akaora mwoyoKuti amuuraye.+
17 Aida kutuka, saka ndiye akazotukwa;Akanga asingadi kukomborera, saka haana kukomborerwa.
18 Akapfekedzwa kutukwa senguo yake.
Uye kutukwa kwakadururirwa mumuviri make semvura,Mumapfupa ake semafuta.
19 Kutukwa kwake ngakuite sezvipfeko zvaanozviputira nazvo+Uye sebhandi raanogara akasunga.
20 Uyu ndiwo mubayiro unobva kuna Jehovha wemunhu anondipikisa+Uye wevaya vanotaura zvakaipa nezvangu.*
21 Asi imi, Jehovha Changamire Ishe,Ndiitirei zvakanaka nekuda kwezita renyu.+
Ndinunurei, nekuti rudo rwenyu rusingachinji rwakanaka.+
22 Nekuti handina mubatsiri uye ndiri murombo,+Uye mwoyo wangu wakabayiwa mukati mangu.+
23 Ndiri kupfuura semumvuri uri kupera;Ndazunzirwa pasi semhashu.
24 Mabvi angu apera simba nekutsanya;Muviri wangu waonda, uye ndiri kuperezeka.*
25 Ndini wavava kungonyomba.+
Pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.+
26 Ndibatsireiwo Jehovha Mwari wangu;Ndiponesei nerudo rwenyu rusingachinji.
27 Ngavazive kuti izvi zviri kuitwa neruoko rwenyu;Kuti imi, haiwa Jehovha, makazviita.
28 Regai vatuke, asi imi komborerai.
Pavanosimuka kuti vandirwise, ngavanyadziswe,Asi itai kuti mushumiri wenyu afare.
29 Vaya vanondipikisa ngavapfekedzwe nyadzi;Ngavaputirwe mukunyara kwavo sekunge vakaputirwa nenguo.*+
30 Muromo wangu uchanyatsorumbidza Jehovha;Ndichamurumbidza pamberi pevanhu vazhinji.+
31 Nekuti achamira kuruoko rwerudyi rwemuromboKuti amuponese pane vaya vanoda kumutongera rufu.*
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Mupomeri.”
^ Kana kuti “ngaanzi munhu akaipa.”
^ ChiHeb., “Vanakomana.”
^ ChiHeb., “Vanakomana.”
^ Kana kuti “Anoita zvechimbadzo ngaateyere misungo.”
^ Kana kuti “rudo rusingachinji.”
^ Kana kuti “rudo rusingachinji.”
^ Kana kuti “nezvemweya wangu.”
^ ChiHeb., “Nyama yangu yaonda, haisisina kana mafuta.”
^ Kana kuti “nenguo isina maoko.”
^ Kana kuti “kutongera mweya wake rufu.”