Mapisarema 120:1-7
Rwiyo Rwekukwidza.*
120 Ndakashevedzera kuna Jehovha ndichitambudzika,+Uye akandipindura.+
2 Haiwa Jehovha, ndinunurei* pamiromo inoreva nhemaUye parurimi runonyengera.
3 Iye achakuita sei, uye achakuranga sei,*Iwe rurimi runonyengera?+
4 Achakuranga nemiseve yakapinza+ yemurwiUye nemazimbe emoto+ wehuni dzemuti wemugwenga.
5 Ndine nhamo, nekuti ndakagara semutorwa muMesheki!+
Ndanga ndichigara pakati pematende eKedhari.+
6 Ndava nenguva refu ndichigara*Nevaya vanovenga rugare.+
7 Ndinoda rugare, asi pandinotaura,Ivo vanoda zvehondo.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “nunurai mweya wangu.”
^ ChiHeb., “uye achakuwedzera chii?”
^ Kana kuti “Mweya wangu wava nenguva refu uchigara.”