Mapisarema 124:1-8
Rwiyo Rwekukwidza. RwaDhavhidhi.
124 “Kudai Jehovha aisava nesu,”+Israeri ngaati,
2 “Kudai Jehovha aisava nesu+Pakasimuka varume kuti vatirwise,+
3 Vangadai vakatimedza tiri vapenyu+Pavakanga vakatitsamwira kwazvo.+
4 Mvura ingadai yakatikukura,Mvura zhinji ingadai yakatifukidza.*+
5 Mvura ine simba ingadai yakatinyudza.*
6 Jehovha ngaarumbidzwe,Nekuti haana kutirega tichibvamburwa nemazino avo.
7 Takaita seshiri yakapukunyukaPachiteyeso chemuvhimi;+Chiteyeso chacho chakatyoka,Uye takapukunyuka.+
8 Rubatsiro rwedu ruri muzita raJehovha,+Muiti wedenga nenyika.”