Mapisarema 125:1-5
Rwiyo Rwekukwidza.
125 Vaya vanovimba naJehovha+Vakaita seGomo reZiyoni, risingagoni kuzununguswaAsi rinogara nekusingaperi.+
2 Sekupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema nemakomo,+Jehovha anopoteredzawo vanhu vake+Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.
3 Tsvimbo yeumambo yezvakaipa haizorambi iri munyika yakagoverwa vakarurama,+Kuti vakarurama varege kutsauka votanga kuita zvakaipa.+
4 Itai zvakanaka, haiwa Jehovha, kune vaya vakanaka,+Kune vaya vane mwoyo wakarurama.+
5 Kana vari vaya vanotsaukira kunzira dzavo dzisina kururama,Jehovha achavabvisa pamwe chete nevanoita zvakaipa.+
Israeri ngaave nerugare.