Mapisarema 148:1-14
148 Rumbidzai Jah!*
Rumbidzai Jehovha muri kumatenga;+Murumbidzei muri munzvimbo dzakakwirira.
2 Murumbidzei, imi ngirozi dzake dzese.+
Murumbidzei, imi uto rake rese.+
3 Murumbidzei, imi zuva nemwedzi.
Murumbidzei, imi mese nyeredzi dzinopenya.+
4 Murumbidzei, imi matenga ekumusorosoro*Nemi mvura iri pamusoro pematenga.
5 Ngazvirumbidze zita raJehovha,Nekuti iye akarayira, zvikabva zvasikwa.+
6 Anoramba akazvisimbisa kusvikira nariini nariini;+Akapa murau usingazopfuuri.+
7 Rumbidzai Jehovha muri panyika,Imi zvisikwa zvikuru zvemugungwa nemi mese mvura yakadzika,
8 Imi mheni nechimvuramabwe, chando nemakore matematema,Iwe dutu guru, rinoita zvaakataura,+
9 Imi makomo nemi mese zvikomo,+Imi miti yemichero nemi mese misidhari,+
10 Imi mhuka dzesango+ nemi mese zvipfuwo,Imi zvinhu zvinokambaira neshiri dzine mapapiro,
11 Imi madzimambo enyika nemi mese marudzi,Imi machinda nemi mese vatongi venyika,+
12 Imi majaya nemhandara,Vakwegura pamwe chete nevadiki.
13 Zvese ngazvirumbidze zita raJehovha,Nekuti zita rake rega ndiro riri kumusoro kusingasvikiki.+
Ukuru hwake huri kumusoro kwenyika nedenga.+
14 Achawedzera simba* revanhu vake,Kuti vanhu vake vese vakavimbika varumbidzwe,Vanakomana vaIsraeri, vanhu vari pedyo naye.
Rumbidzai Jah!*
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
^ ChiHeb., “matenga ekumatenga.”
^ ChiHeb., “nyanga.”
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.