Mapisarema 42:1-11
Kumutungamiriri. Maskiri.* Rwiyo rwevanakomana vaKora.+
42 Senondo inosuwa hova dzemvura,Ndinokusuwai,* haiwa Mwari.
2 Ndine* nyota yekuva naMwari, yekuva naMwari mupenyu.+
Ndingauya riini kuzozviratidza pamberi paMwari?+
3 Misodzi yangu yava zvekudya zvangu siku nesikati;Vanhu vanoswera vachindinyomba vachiti: “Mwari wako ari kupi?”+
4 Izvi ndizvo zvandinoyeuka, uye ndinodurura mweya* wangu,Nekuti ndaimbofamba nevanhu vakawanda;Ndaimbofamba zvishoma nezvishoma ndiri pamberi pavo tichienda kuimba yaMwari,Tichifara uye tichionga,Ruzhinji rwevanhu ruchipemberera mutambo.+
5 Nei ndapererwa* netariro?+
Nei ndisina kugadzikana mukati mangu?
Mirira Mwari,+Nekuti ndichamurumbidzazve seMuponesi wangu mukuru.+
6 Mwari wangu, ndapererwa* netariro.+
Ndokusaka ndichikuyeukai,+Ndiri munyika yeJodhani nepanzvimbo dzakakwirira dzeHemoni,Ndiri paGomo reMiza.*
7 Mvura yakadzika inoshevedza mvura yakadzikaPainonzwa kutinhira kwemapopoma emvura yenyu.
Masaisai enyu ese ane simba andinyudza.+
8 Masikati Jehovha achandipa rudo rwake rusingachinji,Uye manheru rwiyo rwake ruchava neni, munyengetero kuna Mwari weupenyu hwangu.+
9 Ndichati kuna Mwari, kuibwe rangu:
“Mandikanganwireiko?+
Nei ndichifanira kufamba ndakasuruvara nemhaka yekudzvinyirirwa nemuvengi wangu?”+
10 Vavengi vangu vanondinyomba zvekuda kundiuraya;*Vanoswera vachindinyomba vachiti: “Mwari wako ari kupi?”+
11 Nei ndapererwa* netariro?
Nei ndisina kugadzikana mukati mangu?
Mirira Mwari,+Nekuti ndichamurumbidzazve seMuponesi wangu mukuru uye Mwari wangu.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Mweya wangu unokusuwai.”
^ Kana kuti “Mweya wangu une.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “mweya wangu wapererwa.”
^ Kana kuti “mweya wangu wapererwa.”
^ Kana kuti “pagomo diki.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “sekunge vari kupwanya mapfupa angu.”
^ Kana kuti “mweya wangu wapererwa.”