Mapisarema 54:1-7
-
Munyengetero wekukumbira kubatsirwa pavavengi
-
“Mwari ndiye mubatsiri wangu” (4)
-
Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Maskiri.* Rwiyo rwaDhavhidhi rwaakaimba pakaenda vaZifi kuna Sauro vakamuudza kuti: “Dhavhidhi akahwanda pakati pedu.”+
54 Haiwa Mwari, ndiponesei nezita renyu,+Uye ndidzivirirei*+ nesimba renyu.
2 Inzwaiwo munyengetero wangu Mwari;+Teererai mashoko emuromo wangu.
3 Nekuti vatorwa vari kundipandukira,Uye varume vane utsinye vari kutsvaga upenyu hwangu.*+
Havatombofungi nezvaMwari.+ (Sera)
4 Onai! Mwari ndiye mubatsiri wangu;+Jehovha ane vaya vari kunditsigira.*
5 Achatsiva vavengi vangu+ nezvakaipa zvavo;Vaparadzei* mukutendeka kwenyu.+
6 Ndichakupai chibayiro+ nechido.
Ndicharumbidza zita renyu, haiwa Jehovha, nekuti rakanaka.+
7 Nekuti anondiponesa mukutambudzika kwese,+Uye ndichatarisa vavengi vangu ndavakunda.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “ndimiririrei panyaya yangu.”
^ Kana kuti “mweya wangu.”
^ Kana kuti “kutsigira mweya wangu.”
^ ChiHeb., “Itai kuti vanyarare.”