Mapisarema 67:1-7

  • Nyika yese ichatya Mwari

    • Nzira yaMwari ichazivikanwa (2)

    • ‘Marudzi ese ngaarumbidze Mwari’ (3, 5)

    • “Mwari achatikomborera” (6, 7)

Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Pisarema. Rwiyo. 67  Mwari achatinzwira nyasha, otikomborera;Achaita kuti chiso chake chipenye patiri+ (Sera)   Kuti nzira yenyu izivikanwe munyika yese,+Mabasa enyu ekuponesa azivikanwe pakati pemarudzi ese.+   Marudzi ngaakurumbidzei, haiwa Mwari;Marudzi ese ngaakurumbidzei.   Marudzi ngaafare apembere nemufaro,+Nekuti muchatonga marudzi zvakarurama.+ Muchatungamirira marudzi epanyika. (Sera)   Marudzi ngaakurumbidzei, haiwa Mwari;Marudzi ese ngaakurumbidzei.   Nyika ichabereka zvibereko zvayo;+Mwari, iye Mwari wedu, achatikomborera.+   Mwari achatikomborera,Uye nyika yese ichamutya.*+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “ichamukudza.”