Mapisarema 68:1-35
Kumutungamiriri. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.
68 Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavapararire,Uye vaya vanomuvenga ngavatize pamberi pake.+
2 Sekudzingwa kunoitwa utsi nemhepo, vadzingei;Sekunyunguduka kunoita namo mumoto,Vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.+
3 Asi vakarurama ngavafare;+Ngavafare chaizvo pamberi paMwari;Ngavapembere vachifara.
4 Imbirai Mwari; imbai muchirumbidza zita rake.+
Imbirai iye anopfuura nemumapani erenje.*
Jah* ndiro zita rake!+ Pemberai pamberi pake!
5 Baba venherera uye mutongi* wechirikadzi+Ndiye Mwari ari munzvimbo yake tsvene yaanogara.+
6 Mwari anopa vaya vakasurukirwa musha wekugara;+Anotungamirira vasungwa achibuda navo kuti vabudirire.+
Asi vaya vakaoma musoro* vanofanira kugara munyika yakaita gwenga.+
7 Haiwa Mwari, pamakatungamirira vanhu venyu,+Pamakafamba nemugwenga, (Sera)
8 Nyika yakadengenyeka;+Denga rakadurura mvura nemhaka yaMwari;Sinai iri rakadengenyeka nemhaka yaMwari, iye Mwari waIsraeri.+
9 Makaita kuti mvura inaye yakawanda, haiwa Mwari;Makasimbisazve vanhu venyu vakanga varukutika.
10 Vakagara mumusasa wenyu wematende;+Nekunaka kwenyu makariritira varombo, haiwa Mwari.
11 Jehovha anopa murayiro;Vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru.+
12 Madzimambo emauto anotiza,+ anotiza!
Uya anosara kumba anowanawo mugove wezvakapambwa.+
13 Kunyange zvazvo imi makanga makarara makabatidza moto mumusasa,*Pachava nemapapiro enjiva akafukidzwa nesirivha,Ane minhenga yegoridhe rakanatswa.
14 Wemasimbaose paakaparadzira madzimambo ayo,+Chando chakatanga kunaya muZarimoni.*
15 Gomo reBhashani+ igomo raMwari;*Gomo reBhashani igomo rine misoro mizhinji.
16 Imi makomo ane misoro mizhinji, munotarisirei muchichivaGomo rakasarudzwa* naMwari kuti agare?+
Chokwadi Jehovha achagara mariri nekusingaperi.+
17 Ngoro dzaMwari dzehondo dzinosvika makumi ezviuru, zviuru nezviuru.+
Jehovha abva kuSinai achipinda munzvimbo tsvene.+
18 Makakwira kumusoro;+Makaenda nenhapwa;Makatora varume vakazova zvipo,+Makatora kunyange vakaoma musoro,+ kuti vagare pakati pavo, haiwa Jah Mwari.
19 Jehovha ngaarumbidzwe, anotitakurira mutoro wedu zuva nezuva,+Mwari wechokwadi weruponeso rwedu. (Sera)
20 Kwatiri Mwari wechokwadi ndiMwari wekuponesa;+Uye Jehovha, Changamire Ishe anowanisa nzira dzekupona nadzo murufu.+
21 Chokwadi Mwari achapwanya misoro yevavengi vake,Nhongonya ine bvudzi yemusoro wemunhu anoramba* achiita chivi.+
22 Jehovha ati: “Ndichavadzosa kubva kuBhashani;+Ndichavadzosa kubva pasi pegungwa,
23 Kuti tsoka dzenyu dzinyure muropa+Uye kuti rurimi rwembwa dzenyu ruwane mugove warwo pavavengi.”
24 Vanoona midungwe yevanhu venyu, haiwa Mwari,Midungwe yevanhu vaMwari wangu, iye Mambo wangu, ichipinda munzvimbo tsvene.+
25 Vaimbi vanofamba vari pamberi, vaya vanoridza zviridzwa zvine tambo vari shure kwavo;+Pakati pavo pane vasikana vari kuridza matambureni.+
26 Rumbidzai Mwari pakati peungano yakakura;Rumbidzai Jehovha, imi munobva kuTsime raIsraeri.+
27 Ikoko Bhenjamini,+ gotwe racho, ari kuvakunda,Uye machinda eJudha nechaunga chavo chine ruzha vari kukundawo,Nemachinda aZebhuroni, nemachinda aNaftari.
28 Mwari wako arayira kuti uchapiwa simba.
Ratidzai simba renyu, haiwa Mwari, sezvamakambotiitira.+
29 Nekuda kwetemberi yenyu iri kuJerusarema,+Madzimambo achakuunzirai zvipo.+
30 Tukai zvikara zvemutsanga,Mombe+ dzakaungana nemhuru dzacho,Kusvikira marudzi akotama achiunza* sirivha.
Asi anoparadzira marudzi anofarira hondo.
31 Zvinhu zvakagadzirwa nemhangura zvichabva kuIjipiti;*+Kushi ichakurumidza kupa Mwari zvipo.
32 Haiwa imi umambo hwenyika, imbirai Mwari,+Imbai muchirumbidza Jehovha,* (Sera)
33 Imbirai uya akatasva denga rematenga ekare.+
Onai! Iye anotinhira nenzwi rake, inzwi rake rine simba.
34 Bvumai simba rina Mwari.+
Ukuru hwake huri pamusoro paIsraeri,Uye simba rake riri mudenga.*
35 Mwari anoshamisa ari munzvimbo yake tsvene.+
Ndiye Mwari waIsraeri,Anopa simba uye anosimbisa vanhu.+
Mwari ngaarumbidzwe.
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “anotasva pamakore.”
^ “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
^ Kana kuti “mudziviriri.”
^ Kana kuti “vapanduki.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “makarara pakati pematanga emakwai.”
^ Kana kuti “Zvakaita sekuti muZarimoni muri kunaya chando.”
^ Kana kuti “igomo rakakura.”
^ Kana kuti “rinofarirwa.”
^ Kana kuti “anofamba-famba.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “achitsika-tsika.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Vamiririri vachabuda muIjipiti.”
^ Kana kuti “Ridzirai Jehovha rwiyo.”
^ ChiHeb., “mumakore.”