Mapisarema 93:1-5
93 Jehovha ava Mambo!+
Akapfeka kukudzwa kunoshamisa;Jehovha akapfeka simba;Anoripfeka sebhandi.
Nyika* yakanyatsosimbiswa;Haigoni kubviswa pairi.*
2 Chigaro chenyu cheumambo chakasimbiswa kare kare;+Makagara muripo kubvira nariini.+
3 Nzizi dzakaita mafungu, haiwa Jehovha,Nzizi dzakaita mafungu dzikadzvova;Nzizi dzinoramba dzichiita mafungu, dzichitinhira.
4 Mukuru kupfuura mvura zhinji iri kutinhira,Ane simba kupfuura mafungu egungwa,+Jehovha anokudzwa kumusoro.+
5 Zviyeuchidzo zvenyu zvakavimbika kwazvo.+
Utsvene hunoshongedza* imba yenyu+ nguva dzese, haiwa Jehovha.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Nyika inobereka.”
^ Kana kuti “kuzununguswa.”
^ Kana kuti “hwakakodzera.”