Mika 6:1-16
6 Ndapota, inzwai zviri kutaurwa naJehovha.
Simukai mutaure nyaya yenyu pamberi pemakomo,Uye zvikomo ngazvinzwe inzwi renyu.+
2 Imi makomo inzwai nyaya ina Jehovha,Imi nheyo dzakasimba dzenyika,+Nekuti Jehovha ane nyaya yaari kuda kutonga vanhu vake;Achatongesa vaIsraeri achiti:+
3 “Imi vanhu vangu, ndakaitei kwamuri?
Ndakakunetesai sei?+
Taurai zvandakaita.
4 Nekuti ini ndakakubudisai munyika yeIjipiti,+Ndakakununurai muimba yeuranda;+Ndakatuma Mozisi, naAroni, naMiriyemu kwamuri.+
5 Ndapota, imi vanhu vangu, yeukai zvakarongwa naMambo Bharaki weMoabhi,+Uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori,+Zviya zvakaitika kubva paShitimu+ kusvika kuGirigari,+Kuti muzive mabasa akarurama aJehovha.”
6 Ndichauya pamberi paJehovha nechii?
Ndichapfugamira Mwari ari kumusoro nechii?
Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa here?
Ndichauya nemhuru dzine gore rimwe chete here?+
7 Ko Jehovha angafadzwa nemakondohwe ane zviuru,Nehova dzemafuta dzinosvika makumi ezviuru here?+
Ndingapa mwanakomana wangu wedangwe kuti ndivhare kupanduka kwangu here,Iye mwana wangu wandakabereka, kuti ndivhare kukanganisa kwangu here?+
8 Mwari akakuudza kuti zvakanaka ndezvipi, iwe munhu.
Jehovha anoda kuti uitei?*
Chaanongoda ndechekuti uite zvakarurama,+ ukoshese kuvimbika,*+Uye kuti uve nemwero+ pakufamba naMwari wako!+
9 Inzwi raJehovha rinoshevedzera kune vari muguta;Vaya vanoratidza kuti vane uchenjeri* vachatya zita renyu.
Inzwai kurira kweshamhu muteerere iye akaituma.+
10 Muimba yemunhu akaipa muchiine pfuma yezvakaipa here?
Muchine efa* inonyangadza yakatapudzwa here?
11 Ndingava munhu akachena* ini ndiine chikero chakaipa hereUye ndiine homwe yematombo ekuyeresa ekubiridzira vanhu?+
12 Nekuti vapfumi varo vanongoita zvemhirizhonga,Vagari varo vanotaura nhema;+Uye rurimi rwavo runonyengera.+
13 “Iniwo ndichakurova ndokusiya uine ronda,+Ndoita kuti usare usina chinhu nemhaka yezvivi zvako.
14 Uchadya asi hauzoguti;Mudumbu mako muchange musina chinhu.+
Uchatadza kuchengetedza zvaunenge watora,Uye ndichaita kuti zvaunenge waenda nazvo zviparadzwe nebakatwa.
15 Uchadyara mbeu, asi hauzokohwi.
Uchatsika-tsika maorivhi, asi hauzoshandisi mafuta acho;Uchatsika-tsika mazambiringa kuti uwane waini itsva, asi hauzonwi waini yacho.+
16 Nekuti munoteerera mirau yaOmri muchitevera mabasa ese eimba yaAhabhi+Uye munotevera mazano avo.
Ndokusaka ndichaita kuti muve chinhu chinotyisaUye kuti vagari vemuguta racho vave chinhu chinoridzisa muridzo;+Muchashorwa nemarudzi.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “uve nemutsa uye kuti urambe uine rudo.” ChiHeb., “ude rudo rusingachinji.”
^ Kana kuti “umuitirewo chii?”
^ Kana kuti “uchenjeri hunobatsira.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
^ Kana kuti “asina mhosva.”