Tsamba kuvaHebheru 5:1-14
5 Nekuti mupristi mukuru wese anosarudzwa pakati pevanhu anogadzwa achivamiririra pazvinhu zvine chekuita naMwari,+ kuti ape zvipo nezvibayiro zvezvivi.+
2 Iye anokwanisa kubata netsitsi* vanhu vasingazivi uye vanokanganisa,* sezvo iye achitarisanawo nekusava nesimba kwake,
3 uye nechikonzero ichocho anofanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake pachake sekupa kwaanoita zvibayiro zvezvivi zvevamwe vanhu.+
4 Munhu haawani kukudzwa uku nekuzvisarudzira ega, asi anongokuwana chete kana aita zvekudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni.+
5 Saka Kristu haanawo kuzvipa ega kukudzwa+ kwekuva mupristi mukuru, asi akakudzwa neuya akamuudza kuti: “Ndiwe mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.”+
6 Sekutaurawo kwaakamboita kuti, “Iwe uri mupristi nekusingaperi sezvakanga zvakaita Merekizedheki.”+
7 Paairarama panyika, Kristu ainyengetera achiteterera uye aikumbira achiita zvekuchema nemisodzi+ kune uya aikwanisa kumuponesa parufu, uye akanzwiwa nekuti aitya Mwari.
8 Kunyange zvazvo aiva mwanakomana, akadzidza kuteerera pamatambudziko aakasangana nawo.+
9 Uye paakanga aitwa akakwana,+ vese vanomuteerera vaikwanisa kuponeswa nekusingaperi kuburikidza naye,+
10 nekuti akagadzwa naMwari kuti ave mupristi mukuru sezvakanga zvakaita Merekizedheki.+
11 Tine zvakawanda zvekutaura nezvake, uye zvakaoma kuzvitsanangura, nekuti mava vanhu vakagomara pakunzwa kwenyu.
12 Nekuti iye zvino* maifanira kunge mava vadzidzisi, asi muchiri kutoda kuti mumwe munhu atange kukudzidzisai zvinhu zvekutanga+ zvemashoko matsvene aMwari, uye madzokera zvakare pakuda mukaka, kwete zvekudya zvikukutu.
13 Nekuti munhu wese anoramba achinwa mukaka haazivi shoko rekururama, nekuti mwana.+
14 Asi zvekudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, vaya vanoita kuti simba ravo rekunzwisisa ridzidziswe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa pavanenge vachirishandisa.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “neunyoro.”
^ Kana kuti “vanotsauka.”
^ ChiGir., “kana tichitarisa nguva.”