Bhuku raZvakazarurwa 7:1-17
7 Pashure peizvi, ndakaona ngirozi ina dzakamira pamakona mana enyika, dzakabata zvakasimba mhepo ina dzenyika, kuti parege kuva nemhepo ingavhuvhuta panyika kana mugungwa kana pamuti chero upi zvawo.
2 Ndakaonawo imwe ngirozi ichikwidza ichibva kumabvazuva, iine chisimbiso* chaMwari mupenyu; uye yakashevedzera nenzwi guru kungirozi ina dzakanga dzabvumirwa kukuvadza nyika negungwa,
3 ichiti: “Musakuvadza nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa zvisimbiso+ pahuma dzevaranda vaMwari wedu.”+
4 Uye ndakanzwa nhamba yevaya vakaiswa chisimbiso, vanokwana 144 000,+ avo vakabva mumadzinza ese evanakomana vaIsraeri:+
5 Mudzinza raJudha makaiswa chisimbiso vanhu 12 000;mudzinza raRubheni 12 000;mudzinza raGadhi 12 000;
6 mudzinza raAsheri 12 000;mudzinza raNaftari 12 000;mudzinza raManase+ 12 000;
7 mudzinza raSimiyoni 12 000;mudzinza raRevhi 12 000;mudzinza raIsakari 12 000;
8 mudzinza raZebhuroni 12 000;mudzinza raJosefa 12 000;mudzinza raBhenjamini makaiswa chisimbiso vanokwana 12 000.
9 Pashure peizvi, ndakaona boka guru revanhu vakanga vasingakwanisi kuverengwa nemunhu, vanobva kumarudzi ese nemadzinza nevanhu nendimi,*+ vamire pamberi pechigaro cheumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena,+ uye vakabata mapazi emichindwe.+
10 Vanoramba vachishevedzera nenzwi guru, vachiti: “Ruponeso rwedu runobva kuna Mwari wedu agere pachigaro cheumambo,+ uye kuGwayana.”+
11 Ngirozi dzese dzainge dzakamira dzakakomberedza chigaro cheumambo nevakuru+ nezvisikwa zvipenyu zvina, uye dzakawira pamberi pechigaro cheumambo nezviso zvadzo dzikanamata Mwari,
12 dzichiti: “Ameni! Kurumbidzwa nekukudzwa neuchenjeri nekuonga nekuremekedzwa nemasimba nesimba ngazvive kuna Mwari wedu nariini nariini.+ Ameni.”
13 Mumwe wevakuru akabva ati kwandiri: “Ko ava vakapfeka nguo refu chena+ ndivanaani uye vakabvepi?”
14 Ndakabva ndangoti kwaari: “Ishe wangu, ndimi munoziva.” Iye akati kwandiri: “Ava ndivo vanobuda mukutambudzika kukuru,+ uye vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena muropa reGwayana.+
15 Ndokusaka vari pamberi pechigaro cheumambo chaMwari, uye vachimuitira basa dzvene siku nesikati mutemberi yake. Iye agere pachigaro cheumambo+ achatambanudza tende rake pamusoro pavo.+
16 Havazonzwi nzara kana nyota, uyewo havazopiswi nezuva kana nekumwewo kupisa kukuru,+
17 nekuti Gwayana,+ iro riri pedyo nechigaro cheumambo,* richavafudza+ uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura yeupenyu.+ Mwari achapukuta misodzi yese pamaziso avo.”+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “nemitauro.”
^ Kana kuti “pakati pechigaro cheumambo.”