Zvirevo 31:1-31
31 Mashoko aMambo Remueri, mashoko ane uremu aakaudzwa naamai vake vachimurayira:+
2 Ndokuudza kutiiko, nhai mwanakomana wangu,Ndotiiko nhai mwanakomana wangu wandakazvara,Nhai mwanakomana wemhiko dzangu?+
3 Usapa vakadzi simba rako,+Kana kutevera nzira dzinoparadza madzimambo.+
4 Remueri iwe, hazvina kukodzera madzimambo,Hazvina kukodzera madzimambo kuti anwe wainiKana kuti vatongi vati, “Doro rangu riri kupi?”+
5 Kuti varege kunwa vakakanganwa mitemo yakagadzwa,Votyora kodzero dzevakaderera.
6 Ipai doro vaya vava kufa+Uye ipai waini vaya vari* kushungurudzika.+
7 Regai vanwe vakanganwe nhamo dzavo,Varege kuramba vachiyeuka matambudziko avo.
8 Taura uchitsigira mbeveve;Rwira kodzero dzevanhu vese vava kufa.+
9 Taura uchivamiririra uye tonga zvakarurama;Rwira kodzero dzevakaderera nevarombo.+
א [Aleph]
10 Ndiani angawana mudzimai anoita zvakanaka?*+
Anokosha kupfuura matombo ekorari* nekure.
ב [Beth]
11 Murume wake anovimba naye nemwoyo wese,Uye hapana chinokosha chaanoshaya.
ג [Gimel]
12 Anopa murume wake mubayiro wezvakanaka, kwete zvakaipa,Mazuva ese eupenyu hwake.
ד [Daleth]
13 Anotsvaga mvere dzemakwai nemachira;Anonakidzwa nekushanda nemaoko ake.+
ה [He]
14 Anoita sengarava dzemutengesi,+Achibva nezvekudya zvake kure.
ו [Waw]
15 Anomukawo huchiri usiku,Achipa mhuri yake zvekudyaNekupa varandakadzi vake migove yavo.+
ז [Zayin]
16 Anofunga nezvemunda outenga;Anodyara munda wemizambiringa nezvaakashandira.*
ח [Heth]
17 Anogadzirira kuita basa rakaoma,*+Uye anosimbisa maoko ake.
ט [Teth]
18 Anoona kuti kutengesa kwake kuri kumubatsira;Rambi rake haridzimi usiku.
י [Yod]
19 Anobata chimuti chinobata shinda isati yakoswa,Uye anobata chimuti chinokosa shinda yacho.+
כ [Kaph]
20 Anotambanudzira munhu akaderera chanza chake,Uye anovhurira varombo maoko ake.+
ל [Lamed]
21 Haatyiri mhuri yake kana kuine chando,Nekuti vese vanenge vakapfeka zvinodziya.*
מ [Mem]
22 Anozvigadzirira machira epamubhedha.
Zvipfeko zvake ndezvejira neshinda yepepuru.
נ [Nun]
23 Murume wake munhu anozivikanwa pamagedhi eguta,+Paanogara pasi nevakuru venyika yacho.
ס [Samekh]
24 Anogadzira achitengesa zvipfeko zvejiraUye anotengesera vatengesi mabhandi.
ע [Ayin]
25 Akapfeka simba nerunako,Uye anotarisira ramangwana nechivimbo.*
פ [Pe]
26 Anotaura neuchenjeri;+Mutemo wemutsa uri* parurimi rwake.
צ [Tsade]
27 Anotungamirira mabasa emumba make,Uye haadyi zvekudya zveusimbe.+
ק [Qoph]
28 Vana vake vanosimuka, vomuti anofara;Murume wake anosimuka, omurumbidza.
ר [Resh]
29 Kune vakadzi vakawanda vanoita zvakanaka,*Asi iwe, chokwadi unovapfuura vese.
ש [Shin]
30 Kuyevedza kunogona kungova kwekunze chete, uye runako runogona kupera,*+Asi mukadzi anotya Jehovha acharumbidzwa.+
ת [Taw]
31 Mupei mubayiro wezvaanoita,*+Uye mabasa ake ngaamurumbidze pamagedhi eguta.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “vane mweya uri.”
^ Kana kuti “mudzimai akanaka.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “nezvibereko zvemaoko ake.”
^ ChiHeb., “Anosunga muchiuno make nesimba.”
^ ChiHeb., “vakavirikidza.”
^ Kana kuti “anoseka zuva ramangwana.”
^ Kana kuti “Kurayira nerudo kuri; Mutemo werudo rusingachinji uri.”
^ Kana kuti “vakadzi vakanaka vakawanda.”
^ Kana kuti “haruna maturo.”
^ ChiHeb., “Mupei zvinobva pazvibereko zvemaoko ake.”