Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 7

Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa

Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
  • Tinoziva sei kuti rumuko ruchaitika zvechokwadi?

  • Jehovha anonzwa sei pamusoro pokumutsa vakafa?

  • Ndivanaani vachamutswa?

1-3. Muvengi upi anotidzingirira tose zvedu, uye nei kukurukura zvinodzidziswa neBhaibheri kuchizotizorodza?

CHIMBOFUNGIDZIRA kuti uri kutiza muvengi anotyisa kwazvo. Akasimba kwazvo uye anomhanya chaizvo kukupfuura. Unoziva kuti haana tsitsi nokuti wakamuona achiuraya dzimwe shamwari dzako. Hazvinei nokuti unoedza zvakaoma sei kuti umusiye, iye anongoramba achiswedera pedyo. Panoita sepasina tariro. Zvisinei, mununuri anongoerekana ava pedyo newe. Iye ane simba kwazvo kupfuura muvengi wako, uye anovimbisa kukubatsira. Izvozvo zvinoita kuti unzwe wazorodzwa zvikuru!

2 Mupfungwa yakati, uri kudzingirirwa nomuvengi akadaro. Tose zvedu tiri kudzingirirwa. Sezvatakadzidza muchitsauko chakapfuura, Bhaibheri rinodana rufu kuti muvengi. Hapana mumwe wedu angarutiza kana kuti kurudzivisa. Vakawanda vedu takaona muvengi uyu achiuraya vanhu vataida chaizvo. Asi Jehovha ane simba zvikuru kupfuura rufu. Iye ndiye Mununuri ane rudo uyo akatoratidza kuti anogona kukunda muvengi uyu. Uye anovimbisa kuparadza zvachose muvengi uyu, irwo rufu. Bhaibheri rinodzidzisa kuti: “Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.” (1 VaKorinde 15:26) Iwayo mashoko akanaka kwazvo!

3 Kutanga ngatimbokurukurei kuti muvengi uyu rufu anoita kuti tinzwe sei patinofirwa. Kuita izvi kuchatibatsira kunzwisisa chimwe chinhu chichaita kuti tifare. Unoona, Jehovha anopikira kuti vakafa vachararamazve. (Isaya 26:19) Vachadzoswa kuupenyu. Iyoyo ndiyo tariro yorumuko.

PANOFA MUNHU WATINODA

4. (a) Nei zvakaitwa naJesu pakafa munhu waaida zvichitidzidzisa nezvemanzwiro aJehovha? (b) Jesu akava noushamwari chaihwo hwakaita sei?

4 Wakambofirwa here nomunhu wawaida? Kurwadziwa, kushungurudzwa, uye kunzwa usingabatsiri zvingaita sezvisingatsungiririki. Panguva yakadaro, tinofanira kuverenga Shoko raMwari kuti tinyaradzwe. (2 VaKorinde 1:3, 4) Bhaibheri rinotibatsira kunzwisisa manzwiro anoita Jehovha uye Jesu pamusoro porufu. Jesu, uyo airatidza zvakakwana zvakaita Baba vake, aiziva kurwadza kunoita kufirwa nomumwe munhu. (Johani 14:9) Paaiva muJerusarema, Jesu aiwanzoshanyira Razaro nehanzvadzi dzake, Mariya naMarita, vaigara mutaundi raiva pedyo reBhetani. Vakava shamwari dzepedyo. Bhaibheri rinoti: “Jesu aida Marita nomunun’una wake naRazaro.” (Johani 11:5) Zvisinei, sezvatakadzidza muchitsauko chakapfuura, Razaro akafa.

5, 6. (a) Jesu akaita sei paaiva nemhuri uye shamwari dzaRazaro vakanga vachishungurudzika? (b) Nei kushungurudzika kwaJesu kuchitikurudzira?

5 Jesu akanzwa sei nokufirwa neshamwari yake? Nhoroondo yacho inotiudza kuti Jesu akaenda kuhama neshamwari dzaRazaro pavaishungurudzwa nokufirwa uku. Achivaona, Jesu akasiririswa kwazvo. “Akagomera neshungu, akanetseka.” Nhoroondo yacho inobva yati, “Jesu akasvimha misodzi.” (Johani 11:33, 35) Kushungurudzwa kwaJesu kwaireva here kuti akanga asina tariro? Kwete. Chokwadi, Jesu aiziva kuti chimwe chinhu chinoshamisa chakanga chava kuda kuitika. (Johani 11:3, 4) Kunyange zvakadaro, akanzwa kurwadziwa uye kushungurudzwa zvinokonzerwa norufu.

6 Neimwe nzira, kushungurudzwa kwaJesu kunotikurudzira. Kunotidzidzisa kuti Jesu naBaba vake, Jehovha, vanovenga rufu. Asi Jehovha Mwari anokwanisa kurwisa uye kukunda muvengi iyeye! Regai tione kuti Mwari akaita kuti Jesu agone kuitei.

“RAZARO, BUDA!”

7, 8. Nei kuvanhu vakanga vakatarira zvakaita sokuti pakanga pasisina tariro pamusoro paRazaro, asi Jesu akaitei?

7 Razaro akanga avigwa mubako, uye Jesu akakumbira kuti dombo rakanga rakavhara musuo waro ribviswe. Marita akaramba, nokuti pashure pemazuva mana, muviri waRazaro unofanira kuva wakanga wava kuora. (Johani 11:39) Nemaonero evanhu, pakanga pachine tariro yei?

Kumutswa kwaRazaro kwakaunza mufaro mukuru.—Johani 11:38-44

8 Dombo racho rakabviswa, uye Jesu akashevedzera nenzwi guru kuti: “Razaro, buda!” Chii chakaitika? “Murume akanga akafa akabuda.” (Johani 11:43, 44) Ungafungidzira here kufara kwakaita vanhu vaiva ipapo? Pasinei nokuti Razaro akanga ari hanzvadzi yavo, hama, shamwari, kana kuti muvakidzani, ivo vaiziva kuti akanga afa. Asi heuno—murume mumwe chete iyeye aidiwa kwazvo—akanga amirazve pakati pavo. Izvozvo zvinofanira kuva zvakaita sezvisingadaviriki. Hapana mubvunzo kuti vakawanda vakambundira Razaro vachifara. Chokwadi kwaiva kukunda rufu kukuru!

Eriya akamutsa mwana wechirikadzi.1 Madzimambo 17:17-24

9, 10. (a) Jesu akaratidza sei kwaibva simba rokumutsa Razaro? (b) Ndezvipi zvimwe zvakanakira kuverenga nhoroondo dzeBhaibheri dzorumuko?

9 Jesu haana kutaura kuti akanga aita chishamiso ichi chinoshamisa nesimba rake pachake. Paakanga achinyengetera asati ashevedzera kuna Razaro, akabudisa pachena kuti Jehovha ndiye akanga achizomumutsa. (Johani 11:41, 42) Iyi handiyo nguva chete iyo Jehovha akashandisa simba rake kumutsa munhu. Kumutswa kwaRazaro kunongova kumwe chete kwezvishamiso zvipfumbamwe zvakadai zvakanyorwa muShoko raMwari. * Zvinofadza kuverenga uye kudzidza nezvenhoroondo idzi. Dzinotidzidzisa kuti Mwari haasaruri, nokuti vanhu vacho vakamutswa vaisanganisira vaduku nevakuru, vanhurume nevanhukadzi, vaIsraeri uye asiri muIsraeri. Uye mufaro unotsanangurwa mundima idzi mukuru! Somuenzaniso, Jesu paakamutsa musikana muduku kubva kuvakafa, vabereki vake vakanga “vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo.” (Mako 5:42) Chokwadi, Jehovha akanga avapa chikonzero chokufara chavaisazombofa vakakanganwa.

Muapostora Petro akamutsa mukadzi wechiKristu ainzi Dhokasi.—Mabasa 9:36-42

10 Chokwadi, vaya vakamutswa naJesu vakazofa zvakare. Izvi zvinoreva here kuti zvakanga zvisingabatsiri kuvamutsa? Kwete. Nhoroondo idzi dzeBhaibheri dzinosimbisa chokwadi chinokosha uye dzinoita kuti tive netariro.

KUDZIDZA KUBVA MUNHOROONDO DZORUMUKO

11. Nhoroondo yokumuka kwaRazaro inotibatsira sei kusimbisa chokwadi chakanyorwa pana Muparidzi 9:5?

11 Bhaibheri rinodzidzisa kuti vakafa “havana kana chavanoziva.” Havasi vapenyu uye havazivi kuti vari kupi. Nhoroondo yaRazaro inosimbisa izvi. Paakadzoka kuupenyu, Razaro akafadza vanhu nokurondedzera zvakaita kudenga here? Kana kuti akaita kuti vatye nenyaya dzinotyisa kwazvo dzehero inopisa here? Kwete. Bhaibheri harina mashoko akadaro akataurwa naRazaro. Mumazuva mana aakanga akafa, akanga asina ‘kana chaaiziva.’ (Muparidzi 9:5) Razaro akanga akangorara murufu.—Johani 11:11.

12. Nei tingava nechokwadi chokuti rumuko rwaRazaro rwakanyatsoitika?

12 Nhoroondo yaRazaro inotidzidzisawo kuti rumuko chinhu chaicho, kwete nganowo zvayo. Jesu akamutsa Razaro pamberi peboka rezvapupu zvakanga zvichiona. Kunyange vatungamiriri vechitendero, avo vaivenga Jesu, havana kuramba kuti chishamiso ichi chakanga chaitika. Asi vakati: “Toitei, nokuti munhu uyu [Jesu] anoita zviratidzo zvizhinji?” (Johani 11:47) Vanhu vakawanda vakaenda kunoona murume wacho akanga amutswa. Saka, vakawanda vavo vakatotenda muna Jesu. Vakaona pana Razaro uchapupu hwechokwadi hwokuti Jesu akanga atumwa naMwari. Uchapupu uhwu hwakanga huine simba zvikuru zvokuti vamwe vatungamiriri vechitendero vechiJudha vaiva nemwoyo yakaoma vakaronga kuuraya Jesu naRazaro.—Johani 11:53; 12:9-11.

13. Ndezvipi zvinoita kuti tidavire kuti zvechokwadi Jehovha anogona kumutsa vakafa?

13 Hazvina musoro here kubvuma kuti rumuko ndorwechokwadi? Kwete, nokuti Jesu akadzidzisa kuti nerimwe zuva “vaya vose vari mumakuva vachayeukwa,” vomutswa. (Johani 5:28) Jehovha ndiye Musiki woupenyu hwose. Zvinofanira kuva zvakaoma here kudavira kuti anogona kusikazve upenyu? Chokwadi, zvakawanda zvaizova nechokuita nokuyeuka kwaJehovha. Angayeuka here vadiwa vedu vakafa? Nyeredzi dzisingaverengeki dzakazadza matenga, asi Mwari anopa imwe neimwe zita! (Isaya 40:26) Saka Jehovha Mwari anogona kuyeuka zvose zvakanga zvakaita vadiwa vedu vakafa, uye anogona kuvadzosa kuupenyu.

14, 15. Sezvinoenzanisirwa nezvakataurwa naJobho, Jehovha anonzwa sei pamusoro pokudzosa vakafa kuupenyu?

14 Zvisinei, Jehovha anonzwa sei pamusoro pokumutsa vakafa? Bhaibheri rinodzidzisa kuti anoda chaizvo kumutsa vakafa. Murume akanga akatendeka ainzi Jobho akabvunza kuti: “Kana murume akagwinya akafa, angararamazve here?” Jobho akanga achitaura nezvokumirira ari muguva kusvika paizosvika nguva yokuti Mwari amuyeuke. Akati kuna Jehovha: “Muchashevedza, uye ini ndichakupindurai. Nokuti muchasuwa basa remaoko enyu.”—Jobho 14:13-15.

15 Chimbofunga nezvazvo! Jehovha anosuwa kudzosa vakafa kuupenyu. Izvi hazvinyevenutsi mwoyo here kuziva kuti Jehovha anonzwa saizvozvo? Asi zvakadini norumuko urwu rwomunguva yemberi? Ndivanaani vachamutswa, uye kupi?

“VAYA VOSE VARI MUMAKUVA”

16. Vakafa vachamutswa kuti vagare mumamiriro ezvinhu akaita sei?

16 Nhoroondo dziri muBhaibheri dzorumuko dzinotidzidzisa zvakawanda nezvorumuko ruchauya. Vanhu vakamutsirwa kuupenyu pasi pano chaipo vakavazve pamwe chete nevadiwa vavo. Rumuko rwomunguva yemberi ruchange rwakafanana—asi ruri nani zvikuru. Sezvatakadzidza muChitsauko 3, Mwari anoda kuti nyika yose ive paradhiso. Saka vakafa havazomutsirwi munyika izere nehondo, kuparwa kwemhosva, uye kurwara. Vachava nomukana wokurarama nokusingaperi pasi pano mumamiriro ezvinhu ane rugare nomufaro.

17. Rumuko ruchange rwakakura sei?

17 Ndivanaani vachamutswa? Jesu akati “vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [Jesu], vobuda.” (Johani 5:28, 29) Nenzira yakafanana, Zvakazarurwa 20:13 inoti: “Gungwa rakabudisa vaya vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri.” Shoko rokuti “Hadhesi” rinoreva guva revanhu vose. (Ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 212-13.) Iri guva revanhu vose richabviswa vose varimo. Mabhiriyoni ose iwayo evanhu vakazorora imomo vachararamazve. Muapostora Pauro akati: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Izvozvo zvinorevei?

MuParadhiso, vakafa vachamutswa uye vachavazve pamwe chete nevadiwa vavo

18. Ndivanaani vanobatanidzwa pane “vakarurama” vachamutswa, uye tariro iyi ingakuitei iwe pachako?

18 “Vakarurama” vanosanganisira vanhu vakawanda vatinoverenga nezvavo muBhaibheri vakararama Jesu asati auya pasi pano. Ungafunga nezvaNoa, Abrahamu, Sara, Mosesi, Rute, Esteri, uye vamwe vakawanda. Vamwe vevarume nevakadzi ava vaiva nokutenda kwakasimba vanokurukurwa nezvavo muchitsauko 11 chaVaHebheru. Asi “vakarurama” vanosanganisirawo vashumiri vaJehovha vari kufa munguva yedu. Pamusana petariro yorumuko, isu tingasatya kufa.—VaHebheru 2:15.

19. “Vasina kururama” ndivanaani, uye mukana upi uyo Jehovha anovapa nenzira yomutsa?

19 Zvakadini nevanhu vose vasina kushumira kana kuti kuteerera Jehovha nokuti vaisamboziva nezvake? Mabhiriyoni aya e“vasina kururama” haazokanganwiki. Ivowo vachamutswa, vopiwa nguva yokuti vadzidze nezvaMwari wechokwadi uye yokuti vamushumire. Munguva yemakore ane chiuru, vakafa vachamutswa, vopiwa mukana wokubatana nevanhu vakatendeka vanenge vari pasi pano pakushumira Jehovha. Ichava nguva inofadza zvikuru. Nguva iyi ndiyo inonzi neBhaibheri Zuva Rokutongwa. *

20. Gehena chii, uye ndivanaani vanoenda imomo?

20 Izvi zvinoreva here kuti vanhu vose vakamborarama vachamutswa? Kwete. Bhaibheri rinotaura kuti vamwe vakafa vari mu“Gehena.” (Ruka 12:5) Gehena rakawana zita raro kubva padurunhuru remarara raiva kunze kweJerusarema rekare. Zvitunha nemarara zvaipisirwa imomo. Vakafa vaiva nemitumbi yaikandwa imomo vainzi nevaJudha havana kukodzera kuvigwa uye kuzomutswa. Saka Gehena chiratidzo chakakodzera chokuparadzwa nokusingaperi. Kunyange zvazvo Jesu achava nezvaachaitawo pakutongwa kwevapenyu nevakafa, Jehovha ndiye Mutongi wokupedzisira. (Mabasa 10:42) Haazombomutsi vaya vaanotonga kuti vakaipa uye vasingadi kuchinja.

KUMUTSIRWA KUENDA KUDENGA

21, 22. (a) Ndorupi rumwe rumuko ruripo? (b) Ndiani aiva wokutanga kumutsirwa kuupenyu hwomudzimu?

21 Bhaibheri rinotaurawo nezvorumwe rumuko, ruya rwokuva noupenyu sechisikwa chomudzimu kudenga. Muenzaniso mumwe chete worumuko urwu ndiwo wakanyorwa muBhaibheri, ruya rwaJesu Kristu.

22 Pashure pokunge Jesu aurayiwa somunhu, Jehovha haana kubvumira Mwanakomana Wake akatendeka kuti arambe ari muguva. (Pisarema 16:10; Mabasa 13:34, 35) Mwari akamutsa Jesu, asi kwete somunhu. Muapostora Petro anotsanangura kuti Kristu ‘akaurayiwa panyama, asi akaitwa mupenyu mumudzimu.’ (1 Petro 3:18) Chokwadi ichi chaiva chishamiso chikuru. Jesu akanga ava mupenyu zvakare somunhu womudzimu ane simba! (1 VaKorinde 15:3-6) Jesu ndiye akanga ari wokutanga kumutswa zvinokudzwa zvakadai. (Johani 3:13) Asi aisazova wokupedzisira.

23, 24. Ndivanaani vari mu“boka duku” raJesu, uye vachava vangani?

23 Achiziva kuti aizokurumidza kudzokera kudenga, Jesu akaudza vateveri vake vakatendeka kuti aizonova‘gadzirira nzvimbo’ ikoko. (Johani 14:2) Jesu akataura nezvevaya vanoenda kudenga se“boka duku” rake. (Ruka 12:32) Vangani vachava muboka iri duku revaKristu vakatendeka? Maererano naZvakazarurwa 14:1, muapostora Johani anoti: “Ndakaona, uye, tarira! Gwayana [Jesu Kristu] rimire paGomo reZiyoni, riine vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina vakanga vaine zita raro nezita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.”

24 VaKristu ava vane 144 000, kusanganisira vaapostora vaJesu vakatendeka, vanomutsirwa kuupenyu hwokudenga. Rumuko rwavo runoitika rini? Muapostora Pauro akanyora kuti rwaizoitika munguva yokuvapo kwaKristu. (1 VaKorinde 15:23) Sezvauchadzidza muChitsauko 9, iye zvino tiri kurarama munguva iyoyo. Saka vaya vashomanana vasara vevane 144-000 vanofa munguva yedu vanobva vangomutsirwa kuupenyu hwokudenga. (1 VaKorinde 15:51-55) Zvisinei, vamwe vanhu vose vane tariro yokumutsirwa kuupenyu muParadhiso pasi pano munguva yemberi.

25. Chii chichakurukurwa muchitsauko chinotevera?

25 Chokwadi, Jehovha achakunda muvengi wedu rufu, uye ruchaparadzwa nokusingaperi! (Isaya 25:8) Asi, unganetseka kuti, ‘Vaya vachamutswa kuti vaende kudenga vachanoitei ikoko?’ Vachava vamwe vehurumende yoUmambo inoshamisa iri kudenga. Tichadzidza zvakawanda nezvehurumende iyoyo muchitsauko chinotevera.

^ ndima 19 Kuti uwane mamwe mashoko pamusoro peZuva Rokutongwa uye zvichatongerwa vanhu, tapota ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 213-15.