Vanhu Vachiri Kuzviremekedza Here?
NEI KUZVIREMEKEDZA KUCHIKOSHA?
Vanhu vanozviremekedza vanoramba vaine ushingi pavanosangana nematambudziko. Havakurumidzi kukanda mapfumo pasi.
-
Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vaya vanozvitarisira pasi vanowanzova nematambudziko akadai sekuzvidya mwoyo, kurwara nedepression, uye vanova nedambudziko panyaya yekudya. Uye kakawanda kacho vanotanga kunwisa doro uye kuita zvemadrugs.
-
Vanhu vanozviremekedza havazvienzanisi nevamwe, saka zvinovaitira nyore kuti vawirirane nevamwe vova neushamwari hwakasimba navo. Asi vaya vasingazviremekedzi, kakawanda kacho vanotsoropodza vamwe, izvo zvinozoita kuti vapedzisire vasisina shamwari.
-
Vanhu vanozviremekedza vanoramba vaine ushingi pavanosangana nematambudziko; havatadziswi kuita zvavanenge vakaronga kana paine zvinenge zvambovavhiringa. Asi vaya vanozvitarisira pasi kakawanda kacho vanoona sekuti zvinhu zvidiki zvavanenge vakanganisa hazvichatombogadzirisiki. Izvozvo zvinogona kuvanetesa.
ZVAUNGAITA
Sarudza shamwari dzinovaka. Shamwaridzana nevanhu vanoremekedza vamwe, vane hanya newe, uye vanokuvaka.
Batsira vamwe. Kana uine mutsa uye uchibatsira vamwe, kusanganisira vaya vasingakwanisi kuzokubatsirawo, unowana mufaro wechokwadi unobva pakupa. Ichocho ichokwadi kunyange kana vamwe vakasaziva zvaunenge waita.
Batsira vana vako kuti vadzidze kuzviremekedza. Imwe nzira ndeyekumbovasiya vachigadzirisa vega zvinhu zvinenge zvichivanetsa, kusvikira pavanokwanisa. Izvozvo zvinovabatsira kuti vadzidze kukunda matambudziko avanosangana nawo. Kana vakadzidza kuita izvi, vachawedzera kuzviremekedza iye zvino uye pavanenge vakura.
ZVIRI KUITWA NEZVAPUPU ZVAJEHOVHA
Misangano yeZvapupu zvaJehovha uye zvidzidzo zveBhaibheri zvavanoita nevanhu zvinobatsira vanhu kuti vachinje upenyu hwavo vorega kuzviona sevanhu vasingabatsiri.
MISANGANO YATINOITA VHIKI NEVHIKI
Pamisangano yatinoita vhiki nevhiki, tinonakidzwa nekunzwa mharidzo dzeBhaibheri dzinowanzonge dziine mazano ezvatingaita kuti tisazviona sevanhu vasingabatsiri. Pamisangano iyi kupinda hakubhadhariswi, uye munhu wese akasununguka kuuya. Zvimwe zvinhu zvauchadzidza pamisangano yacho ndeizvi:
-
Nei uchikosha kuna Mwari?
-
Zvaungaita kuti uzive chinangwa cheupenyu
-
Zvaungaita kuti uve neshamwari dzinogara nekusingaperi
Uchawanawo shamwari dzechokwadi dzinoda ‘kuchengetana.’—1 VaKorinde 12:25, 26.
Kuti uzive zvakawanda nezvemisangano yedu, tsvaga pajw.org kavhidhiyo kanonzi Chii Chinoitwa paImba yeUmambo?
KOSI YEBHAIBHERI YATINOITA NEVANHU
Tinoita kosi yeBhaibheri nevanhu pasina mari yavanobhadhara tichishandisa bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi uchifara! Bhuku iri rine mavhesi anokosha, pfungwa nemibvunzo zvinobatsira munhu kuti afunge, mavhidhiyo anobaya mwoyo uye mapikicha akanaka. Kosi iyi yeBhabheri inobatsira vanhu kuti vaone kuti vanokosha uye inoita kuti upenyu hwavo huvandudzike.
Kuti uone kuti kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kunokubatsira sei, tsvaga pajw.org kavhidhiyo kanonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhabheri?