Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Tinozviziva sei kuti vaIsraeri vaikoshesa mimhanzi?

VAISRAERI vaikoshesa chaizvo mimhanzi. Kakawanda Bhaibheri rinotaura nezvekuimba kwaiita vanhu uye kuridza kwavaiita mimhanzi. Chikamu chakati kuti cheMagwaro inziyo. Semuenzaniso mabhuku anoti Mapisarema, Rwiyo rwaSoromoni uye Mariro akanyorwa senziyo. Ndosaka rimwe bhuku rinotaura nezvemararamiro aiita vanhu panguva dzinotaurwa muBhaibheri richiti Bhaibheri rinoratidza kuti vaIsraeri vaishandisa mimhanzi pane zvinhu zvakawanda zvavaiita.

Kushandiswa kwemimhanzi muupenyu hwezuva nezuva. VaIsraeri vairidza mimhanzi kana kuimba nziyo kuti varatidze kuti vainzwa sei. (Isa. 30:29) Vakadzi vairidza matambureni, vachiimba nekutamba vachifara paigadzwa madzimambo, pamitambo uye mauto paaikunda muhondo. (Vat. 11:34; 1 Sam. 18:​6, 7; 1 Madz. 1:​39, 40) VaIsraeri vaiimbawo nziyo dzekuchema pavaifirwa. (2 Mak. 35:25) Sezvakataurwa nebhuku rinonzi McClintock and Strong’s Cyclopedia, zviri pachena kuti “vaHebheru vaifarira chaizvo mimhanzi.

Kushandiswa kwemimhanzi mumuzinda wamambo. Madzimambo evaIsraeri aifarira mimhanzi. Mambo Sauro akadana Dhavhidhi kuti auye mumuzinda make kuti azomuridzira mimhanzi. (1 Sam. 16:​18, 23) Dhavhidhi paakazova mambo, akagadzira zviridzwa, akanyora nziyo dzinonakidza, uye akaronga boka revanhu raizoridza zviridzwa patemberi yaJehovha. (2 Mak. 7:6; Amo. 6:5) Mambo Soromoni aiva nevaimbi vechirume uye vechikadzi mumuzinda make.—Mup. 2:8.

Kushandiswa kwemimhanzi pakunamata. Chinonyanya kukosha ndechekuti vaIsraeri vaishandisa mimhanzi pakunamata Jehovha. Kwaitova nevarume 4 000 vairidza zviridzwa patemberi muJerusarema. (1 Mak. 23:5) Vairidza zviridzwa zvesimbi dzinorovaniswa, zviridzwa zvine tambo, udimbwa, uye mabhosvo. (2 Mak. 5:12) Asi nyanzvi idzi hadzisiridzo dzega dzaishandisa mimhanzi pakunamata Jehovha. Zviri pachena kuti vaIsraeri vakawanda vaiimbawo Nziyo Dzekukwidza pavaifamba vachienda kumitambo yavo yegore negore kuJerusarema. (Pis. 120-134) Maererano nezvinyorwa zvevaJudha, vaIsraeri vaiimba Mapisarema eHareruya a pavaidya Paseka.

Mimhanzi ichiri kukosha chaizvo kuvanhu vaMwari. (Jak. 5:13) Tinoimba nziyo tichirumbidza Jehovha. (VaEf. 5:19) Tinonzwa tiri pedyo nehama nehanzvadzi dzedu patinoimba pamwe chete. (VaK. 3:16) Uye mimhanzi inotibatsira kuti tirambe tichitsungirira patinosangana nematambudziko. (Mab. 16:25) Mimhanzi inotibatsira kuti tiratidze kuti tine kutenda muna Jehovha uye kuti tinomuda.

a VaJudha vaidana Mapisarema 113 kusvika ku118 kuti Mapisarema eHareruya, uye vaiaimba vachirumbidza Jehovha.