RAMBAI MAKAMUKA!
Social Media Iri Kukanganisa Mwana Wenyu Here?—Bhaibheri Ringabatsira Sei Vabereki?
“Vana vakawanda vava kutambura nezvirwere zvepfungwa. Social media ndicho chimwe chinhu chikuru chiri kukonzera dambudziko iri.”—Dr. Vivek Murthy, U.S. surgeon general, New York Times, June 17, 2024.
Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vasakanganiswa nesocial media? Bhaibheri rine mazano anobatsira.
Zvingaitwa nevabereki
Ona mazano anotevera ari muBhaibheri.
“Munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.”—Zvirevo 14:15.
Sezvo social media ichigona kukanganisa mwana wenyu, munenge musina kutadza kana mukamurambidza kuishandisa. Musati mabvumidza mwana wenyu kushandisa social media, ivai nechokwadi chekuti akura zvekuti anogona kutevedzera mitemo yamunomupa panyaya yenguva yaanopedza achiishandisa, kuva neshamwari dzakanaka, uye kurega kuvhura nekuona zvinhu zvisina kunaka zvinowanikapo.
Kuti mudzidze zvakawanda, verengai nyaya dzinoti, “Mwana Wangu Anofanira Kuenda paSocial Media Here?” uye “Kudzidzisa Mwana Wenyu Ari Kuyaruka Kuti Ashandise Social Media Zvakanaka .”
“[Shandisai] nguva yenyu nekuchenjera.”—VaEfeso 5:16.
Kana mukabvumidza mwana wenyu kushandisa social media, mupei mitemo yekuti anoishandisa sei uye mutsanangurirei kuti kutevedzera mitemo iyoyo kunomuchengetedza sei. Garai muchicherechedza zvinhu zvinenge zvachinja pamwana wenyu izvo zvinogona kuratidza kuti munofanira kuderedza nguva yaanopedza ari pasocial media.
Shandisai vhidhiyo yemakatuni ekudhirowa inonzi Chenjerera Pakushandisa Social-Network kuti mubatsire mwana wenyu kuti aone kuti zvakanakirei kuti tive nemitemo yatinotevedzera pakushandisa social media.
Dzidza zvimwe
Bhaibheri rinoti tiri kurarama munguva “dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri.” (2 Timoti 3:1-5) Asi rinotipawo mazano anotibatsira kuti tigone kurarama munguva idzi. Pane misoro yenyaya dzinopfuura 20 dzine mazano eBhaibheri anobatsira vabereki nevana inowanika munyaya iyi inotaura nezvedambudziko rezvirwere zvepfungwa pavana vari kuyaruka.